Psalms 99

1Jehovha anobata ushe,
ndudzi ngadzidedere;
anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi,
nyika ngaizungunuke.
2Jehovha mukuru paZioni;
iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose.
3Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa,
iye mutsvene.

4Mambo mukuru, anoda kururamisira,
imi makasimbisa kururama;
muna Jakobho makaita
kururamisira nokururama.
5Kudzai Jehovha Mwari wedu
nokunamata pachitsiko chetsoka dzake;
iye mutsvene.

6Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake,
Samueri akanga ari pakati paavo
vaidana kuzita rake,
vakadana kuna Jehovha akavapindura.
7Akataura kwavari ari mushongwe yegore;
vakachengeta zvaakatema nemitemo yaakavapa.

8Haiwa Jehovha Mwari wedu,
imi makavapindura;
makanga muri Mwari anokanganwira kuna Israeri,
kunyange makavaranga pane zvavakaita.
9Kudzai Jehovha Mwari wedu
mumunamate pagomo rake dzvene,
nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye mutsvene.
Copyright information for SnaBDSC